Vashandi Munyika Vocherechedza Zuva Ravo reVashandi Vakaomerwa

  • Jonga Kandemiiri

Vatungamiri veZCTU. Sangano revashandi iri richacherechedza zuva revashandi pasi rose kuburikidza nekuungana kunhandare yeDzivarasekwa muHarare.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Union, ZCTU, rinoti gore rino vashandi vari kucherechedza zuva ravo revashandi mangwana zvinhu zvakavaomera kudarika mamwe makore ose aya.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo vanoti gore rino vashandi vakaomerwa zvakanyanya nekuda kwekukwira kwemitengo yezvinhu asi mihoro yavo isina kwairi kuenda.

Vanotiwo chimwe chakanyanya kuomesera vashandi kuvharwa kwemakambani pamwe nekushaikwa kwemabasa kune vanga vasiri kushanda.

ZCTU inoti ichacherechedza zuva revashandi iri munzvimbo makumi maviri neimwe munyika yose, asi gungano guru richange riri kunhandare yeDizvarasekwa muHarare.

Dingindira resangano iri gore rino, iro rinoti “We are at a Crossroads! Unite, Fight Neoliberalism and Austerity,” riri kukurudzira vashandi kuti vabatane, varwise kuraswa kwetsika dzavo pamwe nekudzikwa kwemitemo inovaomesera, zvikuru mune zveupfumi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo

Asi munyori werimwe sangano revashandi, reZimbabwe Industrial Revolution Worker's Federation, VaPascoe Ekemu Chakanetsa, vanoti nekuda kwekuoma kwezvinhu, sangano ravo raona zvakakodzera kuti vashandi vasaungana zvavo gore rino.

VaChakanetsa vanoti sangano ravo rine huron gwa hwekusangana nehurumende mushure mezuva revashandi, kana zvabudirira vozozivisa vashandi zvinenge zvabuda mumusangano uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPascoe Ekemu Chakanetsa