Vanoita Mabasa eMaoko Vokurudzira Hurumende Kuti Itambire Kurudziro yeILO

International Labour Organisation

Sangano re Zimbabwe Chamber of Informal Economy Association, ZCIEA, iro rinomirira vanobata mabasa emaoko, rinoti zviri nyore kuti Zimbabwe idzike mutemo wezvemabhizimusi unobatsira vanobata mabasa emaoko, sezvakakurudzirwa nesangano reInternational Labour Organisation muna 2015.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nesangano iri nevatori venhau nemusi weChitatu muHarare.

ZCIEA inoti izvi zvinoita chete ndokunge hurumende yakazvipira kuita nhaurirano.

Sangano iri rinoti vanoita mabasa emaoko ava vari kubatsirawo zvikuru mukuumbwa kwehupfumi hwenyika kuburikidza nemitero yavari kubhadhara.

Va Wisborn Malaya munyori mukuru musangano reZCIEA vanoti Zimbabwe yakabvumirana nedzimwe nyika kukurudziro ye International Labour Organisation (ILO) 204 muna 2015 kuti mashandiro evanhu vanobata mabasa emaoko anofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti vabatsire mukuvaka nyika.

Sangano reILO rinoti nyika dzakatora matanho aya zvinobatsira kuti vanhu vashande mabasa ane pundutso uye achiita kuti vanhu vararame zvakanaka, kuvandudzwa kwehupfumi, kuchengetedzwa kwevashandi, kuchengetedzwa kwekodzero pamwechete nekuwanisa ruzhinji mikana yekushanda.

Munyika yeZimbabwe vanhu vazhinji vari kubata mabasa emaoko uye vanhu vashoma-shoma ndivo vachiri kunoshandira makambani. VaMalaya vanoti kushandura kuti vanobata mabasa emaoko ava vabatsire mukuumba hupfumi hwenyika zvinoda kuti hurumende ishande pamwechete nevanobata mabasa emaoko vacho.

Imwe nhengo yesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions VaElijah Mutemeri vatsigirawo vakati mushandirapamwe pakati pehurumende nevanobata mabasa emaoko wakakosha uye mabasa avo anofanirwa kuonekwawo seakakosha.

VaMutemeri vasvora hurumende vachiti pari zvinho chidikwadikwa chayo mushanduko iyi inyaya yekuti iwane mitero kubva kune vanobata mabasa emaoko. Vati nyaya yemitero handiyo yakanyanyokosha.

Mutungamiriri weZCIEA Amai Lorraine Sibanda vaudza Studio 7 kuti kuti mapato ezvematongerwo enyika akaita mwoyo unoda uye kuremekedza kodzero dzeruzhinji, zviri nyore kuti Zimbabwe izadzikise chiga cheILO ichi.

Amai Sibanda vati kunyangwe hazvo hurumende ichi garoshoropodza vanobata mabasa emaoko ava sevanhu vasingadi kubhadhara mitero, vati nhengo dzavo dzinobatirwa mitero zvakapfuurikidza.

Sangano iri rashoropodzawo hurumende nekuda kuuyisa mari yemabond notes vakati ivo sesangano havadi kushandisa mari yavarikupa zita remadungurirwa rekuti bond paper.

Sangano iri rakurudzira hurumende kuti isati yaunza mabond notes itange yaudza zvizvarwa zveZimbabwe matanho achatorwa kana vanhu vakarasikirwa nemari dzavo.

Sangano iri rinoti richiri kuyeuka zvakadzama kurasikirwa kwakaitwa vanhu nemari dzavo Zimbabwe payakatanga kushandisa mari dzekunze muna2009 richiti izvi zvikadzokorodzeka hurumende inofanirwa kusara nechitsvambe chekudzorera vanhu mari dzavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Patricia Mudadigwa