Muzinda weMDC-T Unorwiswa neVanofungidzirwa Kuti ndeVechidiki veZanu PF

  • Jonga Kandemiiri

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu

Mashoko atiri kutambira anoti vechidiki vebato reZanu PF muHarare manheru eChipiri vaparadza zvinhu pamuzinda webato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, weHarvest House mushure mekurwisana zvinotyisa nevechidiki vebato rinopikisa iri.

Vamwe vanoti izvi zvaitika mushure mekunge vechidiki veZanu PF ava vanetsana nevamwe vanotengesera muna Nelson Mandela, pedyo nemuzinda weMDC-T uyu.

Zvinonzi vechidiki veZanu PF ava vanga vachitungamirirwa nemumwe mukuru wevechidiki muZanu PF mudunhu reHarare, VaGodwin Gomwe, uye vamwe vavo vanonzi vanga vaine pfuti.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti vatumirwawo mifananidzo yezvinhu zvaparadzwa, izvo zvinosanganisira mahwindo emuzinda uyu, chikwangwari chekuratidza kuti ndipo pamahofisi ebato iri, pamwe nemagonhi.

"Mashoko andiri kutambira anoti pane vanhu vauya, vanoda kusvika 15 kana kutopfuura, vechidiki veZanu PF, vauya pamuzinda wedu weHarvest House ndokutanga kuita bongozozo vachipaza mahwindo vachida kupisa building. Kutovesera moto building kuti itsve," vaGutu vanodaro.

Vanoti sezvo zvinhu izvi zvaitika manheru ano, vanga vasati vakwanisa kumhanyira kumuzinda uyu kuti vanozvionera mamiriro aita zvinhu, asi vachiti vashandi vepamuzinda apa vakwanisa kumhan’gara nyaya iyi kumapurisa.

Vanoti neshanduko yanga ichitarisirwa nevanhu munyaya dzezvematongerwo enyika kubva pakashanduka hutungamiri hweZanu PF, vanga vasisatarisiri zvinhu zvakaita sekurwisana kwemapato ezvematongerwo enyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu

Asi VaGomwe varamba kuti bato ravo rine chekuita nekurwisana kunonzi kwaitika pamuzinda weMDC-T uku, vachiti ivo vari kutotambirawo mashoko aya ivo vave kumba kwavo.

VaGomwe vanoti semanzwiro avaita, vechidiki veMDC-T ndivo vaenda kunorwisa vanhu vanotengesa nharembozha muXimex Mall vaine chinangwa chekuda kubvuta nharembozha idzi.

Vanoti vechidiki ava vazotepurwa nevanotengesa zvinhu ava, izvo zvaita kuti vatandanisane vachienda kumuzinda webato rinopikisa iri.

"Vanhu vepaHarvest House neTajamuka vekuEpworth vari kupota vachienda paXimex Mall vono provoker vanhu vepa mall. The moment inotanga kurwisana vanhu, team rimwe ravo racho rinenge richitobira vanhu mafoni. Rabira vanhu mafoni, vomhanya paHarvest vobva vavhara gedhi. Handiti manzwisisa?" vaGomwe vanodaro.

Vanoti panotove nevanhu vashanu vaenda kudare nhasi veMDC-T nenyaya dzekuba mafoni.

VaGomwe vanoti sevechidiki veZanu PF, vachamira neshoko remutungamiri webato ravo, VaEmmerson Mnangagwa, rekuti kwete kumhirizhonga.

Vanoti aka hakasi kekutanga kuti vechidiki veMDC-T vanorwisana nevanotengesera muXimex Mall mushure mekunge vatadza kunzwisisana.

Studio7 yakundikana kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGodwin Gomwe