Zanu PF Yovimbisa Kuranga Vakabiridzira muSarudzo dzemaPrimary

  • Jonga Kandemiiri

VaFortune Chasi

Bato reZanu PF rinoti richatora matanho akaomarara kune nhengo dzebato dzinenge dzazowanikwa dziine mhosva yekuedza kubiridzira musarudzo dzaro dzema primary dzichangobva kuitwa mumatunhu ose emunyika.

Mutewedzeri wemunyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaFortune Chasi vanoti kunyange hazvo vasati vawana humbowo hwekuti kune vakaedza kubiridzira sarudzo idzi kunze kwekungoonawo mumapepanhau, ani nani achazowanikwa aine maoko akasviba panyaya iyi achatorerwa matanho anokodzera, anosanganisira kudzingwa mubato kana kurambidzwa kuzokwikwidza zvakare musarudzo dzinotevera.

Dzimwe nhengo dzeZanu PF, kusanganisira vakadzingwa basa segurukota redunhu reMashonaland West, VaWebster Shamu, dzinonzi dzakawanikwa dziine magwaro ekuvhotesa akatonyorwa kare pamazita avo.

Vamwe vaikwikwidza vari kupomerwawo mhosva yekutenga vanhu nemari pamwe nezvekudya kuti vavhoterwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFortune Chasi