Vechidiki vebato reZanu PF muHarare vari kugadzira mishonga inouraya hutachiwana kana kuti sanitizers, pamwe nezvekuvharisa miromo, kana kuti masks, mukubatsira kwavo hurumende mukudzivirira kupararira kwehutachiwana hunokonzeresa COVID-19. Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti chirongwa ichi chakabudirira kuburikidza nemari yakawanikwa nevechidiki ava kubva kuEmpower Bank. VaMugwadi vanoti zvinhu izvi zvichapiwa kune mwana weZimbabwe wese zvisineyi nekuti ndewebato rezvematongerwo enyika ripi. VaMugwadi vanoti vechidiki vebato ravo ava vakasimudzirwa zvikuru nezviri kuitwa nebato rinopikisa muSouth Africa, reEFF, iro riri kuitawo zvimwechetezvo. Vanoti sebato reveruzhinji, rinokoshesa veruzhinji, zvisineyi nekuti munhu ndewebato ripi.
"Hazvisi zvinhu zvingakatyamadza zvekuti vechidiki veZanu PF vari kuita basa iri nekuti musangano weZanu PF kuburikidza kunyanyanyanya neChitepo School of Ideology vanodzidziswa yatinoti patriotism, kuda nyika yako zvisineyi kuti iri mumatambudziko, munhu unongofanirwa kuda nyika yako.
"Ndosaka tiri ku supporter donzvo ratorwa nevechidiki tichiti iro richabatsira hurumende, richabatsira vana veZimbabwe, richabatsira zvakare zvakare munhu wese ari muZimbabwe nenhau yekuti ma sanitizer mazhinji tanga tichiawana kubva kune dzimwe nyika, " VaMugwadi vanodaro.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi
Zvichakadaro, vechidiki vebato guru rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, vanotiwo vari kuita zvakasiyanasiyana mukubatsira kushambadza nezvedzidziso pamusoro pechirwere che Coronavirus.
Munyori muboka revechidiki mudunhu reHarare, uye vari kanzura vewadhi 16, VaDenford Ngadziore vanoti vechidiki vavo vari kushandawo nevezvitoro, vemakereke pamwe nemamwe mapoka mukuona kuti vanhu vari kutevera here kurudziro yekuti vavhare miromo yavo uye kugeza maoko.
Vanotiwo vari kukurudzira veruzhinji kuti vasaswederane munguva dzavanopinda mizvotoro kana kunge vari munzvimbo dzinoungana vanhu.