NCA, EU neAmerica Dzoshora Mhirizhonga Iri Kuitika Munyika

  • Jonga Kandemiiri

National Constitutional Assembly

Bato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, NCA, raburitsa gwaro rinoshoropodza mhirizhonga yezvematongerwo enyika iri kuitika munyika.

Ukuwo muzinda weAmerica muZimbabwe, pamwe nesangano reEuropean Union muZimbabwe, EU, dzashorawo mhirizhonga ingava ichiitika pakati pemapato ezvematongerwo enyika, kanawo mukati mebato rimwe chete.

America neEU dzinoti mhirizhonga munyika ine hutongo hwejekerere haitambirike, uye dzinokurudzira kuti vanenge vachikonzera mhirizhonga vatorerwe matanho.

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vanoti bato ravo rakanyanya kubatikana nemhirizhonga yakaitika mumusha weSt. Mary’s kuChitungwiza uko nhengo dzeZanu PF dzakarwisana izvo zvakazotora hupenyu hwevanhu vatatu.

Bato iri rinoti rinoshamisikawo nekuti munhu anonzi akaponda vamwe vake veZanu PF ava anozonzi akawanikwa akafa ari mumaoko emapurisa muhusungwa.

“Isu tinokurudzira kuti vanhu vasashandise mhirizhonga mukugadzirisa makakava avo,” vanodaro VaChivasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMadock Chivasa

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vachishanda vakazvimirira, VaChamu Madiridze, vanotiwo dambudziko rekupedzwa kwemhirizhonga munyika richanetsa sezvo iine midzi kubva munguva yehondo yekurwira rusununguko.

“Mukatarisa kubva munguva yehondo yeChimurenga, vanhu vaishandisa mhirizhonga kuti vanzwikwe, kwouya nyika yawana kuzvitonga, hurumende yaishandisa mhirizhonga kunyaradza vanenge vachida kuipikisa,” VaMadiridze vanodaro.

VaMadiridze vanoti mhirizhonga iri kuitika iyi inogona kuve munongedzo wezvichaitika musarudzo dza2018, kana kurudziro iri kupiwa nemasangano akaita se EU nemuzinda weAmerica muZimbabwe ikasatambirwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaChamu Madiridze