Masoja Anorwisana neVanotengesera muMigwagwa yeHarare

  • Thomas Chiripasi

Vanootengesera mumigwagwa vanetsana nemasoja mukati meguta reHarare.

Masoja akarwisana nevanotengesa mumigwagwa yemuHarare nezuro zvakasiya zvaita kuti mamwe emasoja aya pamwe nevanotengesa mumigwagwa vakuvare.

Zvinonzi masoja ndiwo akakonzeresa mhirizhonga iyi sezvo achinzi akatanga kubvutira vanotengesera mumigwagwa zvinhu zvavaitengesa.

Mumwe wevanotengesera mumigwagwa, VaTinei Chipako, vanoti vakakuvara zvikuru mumusoro wavo mushure mekunge varohwa nemasoja.

Mumwe anotengesera mumigwagwa, VaDavid Muzondiwa, vanoti vakatozorwisa masoja aya vaona kuti vakange vave kukuvadzwa.

Mamwe emasoja akaoenekwawo neStudio 7 achitemwa nematombo nevanotengesera mumigwagwa ava vakabva vawira pasi uku veruzhinji vachiita rutsoka ndibereke vachiita aziva kwake ziva kwake.

Mumwe anoshandira mumigwagwa anoti sezvo vachishandira pedyo nemahofisi ebato rinopikisa reMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaGilbert Zengeni vanoti vanoona sokuti masoja akavarwisa sezvo vazhinji vavo vachishanda vakapfeka nhumbi dzeMDC-T yaVaChamisa.

VaZengeni vanotiwo zvave kuitwa nemasoja izvi ndezvekuedza kuvhundutsira vanhu zvikurusei vari mumadhorobha pamberi pesarudzo.

MDCT yaVaChamisa inotiwo haisi kufara nemasoja anonzi akaendeswa kumaruwa uko kwaanonzi ari kuvhundutsira vagari vekumaruwa pamberi pesarudzo.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vanoti havasati vatambira nyaya iyi semapurisa. Nekune rumwe rutivi, mutauriri wemauto, VaOverson Mugwisi, vati vachaferefeta nyaya iyi vozotura mashoko epavamire semauto panyaya yekurwisana kwakaita vanotengesera mumigwagwa nemasoja.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Thomas Chiripasi