MDC T Inoti "Unity Day" Yocherechedzwa Munyika Musina Kubatana

  • Jonga Kandemiiri

VaJoshua Nkomo

Nemusi weChipiri Zimbabwe iri kucherechedza zuva rekubatana kwemapato eZanu PF ne PF Zapu, uko kunonzi kwakaunza runyararo munyika mushure mekusagadzikana kunonzi kwakasiya zviuru nezviuru zvevanhu zvaurayiwa, vachitiza misha yazvo.

Asi bato guru rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti hapana chekupemberera zuva rekubatana munyika iri sezvo muZimbabwe musina runyararo rwunoita kuti vanhu vagare vakasununguka.

Musi wa 22 Zvita 1987, mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, pamwe nevaive mutungamiri wePF Zapu, VaJoshua Nkomo, vakanyorerana chibvumirano cherunyararo mushure mekusagadzikana kwenyika, zvikuru mumatunhu eMatabeleland neMidlands.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti kunyange hazvo bato ravo risineyi nezuva iri, chikonzero chekuti rinocherechedzwa munyika yose ndicho chinoita kuti vataure pamusoro paro.

VaGutu vanoti hurumende yeZanu PF iri kumbunyikidza mapato anopikisa, vanhuwo zvavo pamwechete nevamwe vanhu muZanu PF vanoona maonero akasiyana nemutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe.

VaGutu vanoti muZanu PF mune makakatanwa anotyisa zvokuti zuva rekubatana rinenge riri chiseko pakatariswa zviri kuitika mubato iri.

“Pari zvino munyika hamuna kubatana, mune kudhonzerana,” Vanodaro VaGutu.

“Kana imo muZanu PF macho inongove ‘amai batai mwana,’ saka hapana chekurangarira.”

Vaive nhengo yePF Zapu, VaNorman Mabhena, vanoti kubatana kwemapato maviri aya kwakafa pakashaya VaNkomo.

“MuZanu PF hamuchina Zapu, Zapu yakabuda yakaenda naVaDumiso Dabengwa,” VaMabhena vanodaro.

Studio 7 yakundikana kubata mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya-Moyo, sezvo vanzi vanga vari mumisangano.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu