Vamwe Vova neMaonero Akasiyana paMashoko aVaMnangagwa kuUNGA

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakaudza musangano weUnited Nations General Assembly wechimakumi manomwe netatu kuti Zimbabwe yakaita sarudzo dzakachena ikakoka vaongorori vesarudzo kubva kune dzimwe nyika.

Asi mutungamiri wenyika akatiwo ari kushushikana zvikuru nenyaya yekuzopfurwa kwakaitwa vanhu vairatidzira muHarare musi wa 1 Nyamavhuvhu, vakati vainge vaumba komiti yekuongorora nyaya iyi.

Asi sachigaro veMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa mudunhu reAmerica, VaZvidzai Ruzvidzo, vanoti vakagumbuka zvikuru kunzwa VaMnangagwa vachitaurira vatungamiri venyika dzepasi pose kuti Zimbabwe yakaita sarudzo dzakachena.

VaRuzvidzo vanoti kuti VaMnangagwa vati sarudzo dzakaitwa murunyararo asi paine vanhu vakauraiwa nevanofungidzirwa kuti masoja zvinoratidza kuti kutaura chokwadi kunonetsa kuna kune mutungamiri wenyika nevamwe vebato ravo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaZvidzai Ruzvidzo

Asi nhengo yeZanu PF iri muWashington D.C. muAmerica, VaFrenk Guni, vanoti mutungamiri wenyika akataura mashoko echokwadi uye akakosha.

VaGuni vanotiwoVaMnangagwa vakataurawo mashoko ekuedza kuumba hushamwari nedzimwe hurumende, izvo zvakasiyana zvikuru nezvaiitwa nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, avo vaizivikanwa nekutora mukana wemisangano yakadai kutuka nyika dzekumawirira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFrenk Guni