Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vanoti Mushakabvu VaTsvangirai Vaida Kubatana

  • Jonga Kandemiiri

Vaive mutungamiri meMDC, mushakabvu VaMorganTsvangirai.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varumbidza vaive mutungamiri weMDC uye vakambotungamira hurumende panguva yehurumende yemubatanidzwa, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, vachiti aive munhu aida kubatana, nhaurirano pamwe nenyika yake.

Vachinyora padandemutande reTwitter, VaMnangagwa vati vanhu vakashanda pamwechete zvisineyi nekuti ndevemapato api ezvematongerwo enyika, rudzi rwupi, kana kuti mutupo upi, vanokwanisa kuvaka Zimbabwe ine runyararo nebudiriro.

NeMugovera, mhuri yeZimbabwe yakabatana nemhuri yaVaTsvangirai mukurangarira mabasa akaitwa navaive mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, apo zviuru zvevanhu zvakaungana kumusha kwavo kwaHumanikwa kubuhera.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira sangano revarairidzi rePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti mashoko aVaMnangagwa akanaka chose, asi chete kuti haateverwi nezviito.

Doctor Zhou vanofananidza VaMnangagwa nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, vachiti vanotaura zvavasingazoita, vachiti VaMnangagwa vari kukurudzira nhaurirano asi vanogara vachinyomba mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa.

VaTsvangirai vakashaya musi wa14Kukadzi gore rapera vava nemakore makumi matanhatu nemashanu ekuberekwa mushure mekurwana negomarara.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou