Vakawanda Vokurudzira Kuti VaTomana Vasiye Basa

  • Jonga Kandemiiri

VaJohannes Tomana

Vanhu vakawanda munyika kusanganisira mapato anopikisa vave kukurudzira kuti muchuchisi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana vasiye basa mushure mekuwanikwa kwavo nedare reConstitutional Court vaine mhosva yekuzvidza matare.

VaTomana vakapiwa mutongo wekugara mujeri kwemazuva makumi matatu, mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekuramba kuti mumiriri weBikita West muparamende VaMunyaradzi kereke pamwe nemuzvinabhizimusi Amai Jane Mutasa vatongwe.

Dare iri rakazosendeka parutivi mutongo uyu richipa VaTomana mazuva gumi ekuti vatevedzere mutongo uyu vachipa mvumo yekuti vaviri ava vatongwe, kutadza kwavo kuita izvi vokandwa mujeri kwemazuva ambosendekwa pautivi aya, uye rezinesi ravo rehugweta rokanzurwa.

VaKereke vari kupomerwa mhosva yekubhinya mwanasikana wehama yavo aive nemakore gumi nerimwe muna 2010, ukuwo Amai Mutasa vachipomerwawo mhosva yekuba makadhi ekufonesa ekambani yeTelecel anokosha $1.7 million mugore rimwechetero ra2010.

VaTomana ndivo vakanga vakwira kudare reConstitutional Court vachida kuti vapiwe masimba ekuita basa ravo vakasununguka pasina anopindira.

Mutauriri webato reMDC T VaObert Gutu vanoti bato ravo riri kukurudzira kuti VaTomana vasiye basa sezvo izvi zvichi svibisa zita ravo pamwe nehofisi yemuchuchisimukuru.

Vanoti vari kutarisirawo kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe vaumbe dare rinoongorora nyaya yaVaTomana iyi.

Asi nhengo yeZanu PF uye vachiongorora zvematongerwo enyika, VaGoodson Nguni vanoti VaTomana havamanikidzwi kusiya basa nenyaya iyi sezvo vasina kuramba kutevera zviri kudiwa nedare.

Vanoti danho rekuenda kwavo kuConstitutional Court raive rekuti vajekeserwe chete kuti vanoshanda sei.

VaNguni vanorambawo mashoko ekuti VaTomana vairamba kuchuchisa panyaya dzevanhu vaviri ava zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu Pamwe naVaGoodson Nguni