Mutevedzeri waSachigaro weMDC, VaBiti, Vanowanikwa neDare Vaine Mhosva

  • Jonga Kandemiiri

Muwevedzri wasachigaro weMDC, VaTendai Biti, vachitambirwa kubva mudare nemutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa.

Mutevedzeri wasachigaro webato reMDC, Vatendai Biti vawanikwa nhasi nedare ramejasitiriti muHarare vaine mhosva mbiri dzekutyora zvikamu zvemutemo wesarudzo vakapiwa mutongo wekuti vabvise faindi yemadhora mazana maviri kana kugara mujeri mwemazuva manomwe.

Rimwe remagweta anga achimirira vaBiti, VaAlec Muchadehama vanoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti VaBiti vawanikwa vaine mhosva yekushambadza zvakabuda musarudzo ZEC isati yazvishambadza. Mhosva idzi dzinoti yekuti bato ravo reMDC Alliance ndiro rakakunda musarudzo, uyewo yekuzivisa kuti mutungamiri webato ravo VaNelson Chamisa ndivo vachatonga.

Asi VaMuchadehama vanoti VaBiti vari kuramba mhosva idzi uye ivo semagweta avo vatotanga kugadzira magwaro ekupikisa nyaya iyi kudare repamusoro reHigh Court, ayo vachasvitsa kudare iri neChipiri.

Vanotiwo izvi hazvimisi VaBiti kuita basa ravo segweta kanawo senhengo yedare reparamende, sezvo vachiri kupikisa mutongo uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAlec Muchadehama