VeTajamuka/Sesijikile Vokwira kuConstitutional Court Vachida Kuti VaMugabe Vasiye Chigaro

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

VaPromise Mkwananzi vesangano revechidiki reTajamuka/Sesijikile vasvitsa mapepa kudare repamusorosoro reConstitutional Court vachida kuti dare iri ripe mutongo wekuti pane humbowo huzere hwekuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe havachakodzera kuramba vachitonga nyika, nekudaro vanofanirwa kusiya chigaro.

Vakwirirwa kudare panyaya iyi naVaMkwananzi mutungamiri wenyika pamwe negurukota rezvemitemo.

VaMkwananzi vanoti mapepa avo avasvitsa kudare ane zvinhu gumi nezvishanu zvavari kuda kuti zvitariswe, asi chikuru pane zvose chiri chekuti VaMugabe vanofanirwa kusiya basa izvozvi nekukundikana kwavo kutonga pachitariswa zvikamu zvebumbiro remitemo, Section 50 neSection 89.

Zvimwe zvavanoti zviri mumapepa avo inyaya yekuti VaMugabe vakwegura zvekuti kufambisa kwavo basa kwakanganisika, uyewo mashoko avanotaura pamusoro pevana veZimbabwe, ayo anonzi anokurudzira kutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Asi imwe nyanzvi mune zvemutemo pamwe nezvematongerwo enyika inoti zviri kuitwa naVaMkwananzi hazvina nematuro ose, ichiti haisi nyaya yakakodzera kuiswa kumatare.

Nyanzvi iyi inoti izvi zvinokwaniswa chete kuitwa kuburikidza nedare reparamende, kana kuti kana mutungamiri wenyika arwara, kana kushaya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPromise Mkwananzi