Vana veZimbabwe vakawanda vari muSouth Africa vanonzi vari kupara mhosva dzakasiyanasiyana dzinosanganisira kuba dzimotokari, kupaza mudzimba, kanawo kuponda pamwe nekubata chibharo.
Svondo rino chete varume vana vanonzi zvizvarwa zveZimbabwe vakapfurwa vakafa muzviitiko zvavainzi vaida kuba mudzimba.
Svondo rapera zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinonzi zvaive muchikwata chembavha gumi nembiri dzinonzi dzakasunga varume vaviri ndokuvakanda mudziva, pedzezvo kwave kubata chibharo mumwe wemadzimai maviri vaive nevarume vekukandwa mudhamhu ava.
Vamwewo ndivo vanonzi vari kupara mhosva diki dzakasiyana-siyana.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakataura nevatori venhau munyika iyi zvakati nyaya dzehumbavha idzi dzinokwira zvikuru nguva ino yekutarisana nezororo reKisimusi nekuti vanhu vakawanda vanenge votsvaga mari dzekutakura kumusha kuti vaonekere.
Kushaikwa kwemabasa pamwe nekunetsa kwemagwaro ekuti vanhu vagare pamwe nekushanda munyika iyi zviri pamutemo zvimwe zvezvinhu zvinonzi zviri kutumawo vamwe kuita mabasa erima aya.
Asi mukuru wesangano rinoshanda nezvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa, reZimbabwe Exiles Forum, uye vari gweta, Advocate Gabriel Shumba vanoti mhosva zhinji dzinoparwa munyika iyi, dzinoparwa nezvizvarwa zveSouth Africa, kwete semaburitsirwo ari kuitwa nyaya idzi ekuti vekunze kwenyika ndivo vari kupara mhosva dzakawanda.
Advocate Shumba vanoti vatori venhau vanofanirwa kudzidziswa huipi hwekuburitsa mashoko asiri iwo ezviri kuitika pasi apa, sezvo izvi zvichikonzeresa kuti vanhu vatadze kugarisana.
“Chikuru chatingataure kuti chiitwe kuvatori venhau, panoda kuti paitwe training, kungoti vadzidziswe manyorero enhau asingawedzere kupokana kunoitika mukugarisana kwavanhu, maSouth Africans, namaZimbabweans namamwe marudzi,” Advocate Shumba vanodaro.
Vanotiwo mhosva dzinonyanyoparwa nevana veZimbabwe ndedziya duku dzakaita sedzekupinda kunochera mumigodhi yakaraswa iya kana kuti inenge yakavharwa, kanawo kubatwa vapinza fodya, kana semuenzaniso yeKingsgate, zvisiri pamutemo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naAdvocate Gabriel Shumba