Vaive Vatambi venhabvu veCaps United Voronga Mabiko eKuunganidza Mari

Chikwata cheCaps United

Vaive vatambi venhabvu vechikwata chine mukurumbira munyika cheCaps United vari kuBritain vari kuronga kuita mabiko makuru ekuunganidza mari yekushandisa mukusimudzira nhabvu yemunyika.

Vatambi ava vakaumba chikwata chavo cheCaps United Legends, icho chiri kutungamira hurongwa hwekutsvaga mari uhwu.

Sachigaro weCaps United Legends, Joe “Kode” Mugabe, uyo akaitawo mukurumbira pamazuva ake ekutamba nhabvu kuchikwata cheMakepekepe anoti mabiko aya achaitirwa kuBirmingham nemusi wa 10 Zvita, uye vari kukoka munhe wese zvisineyi nekuti anotsigira chikwata chipi.

“Tiri kutarisira munhu wese, munhu wese weHighlanders weDynamos. All supporters,” Mugabe anodaro.

Anoti mabiko aya achavapa mukana wekuti vasangane vachikurukura nezvenhabvu yekumusha uyewo kuzivana zvakanyanya.

Mari ichawanikwa kubva mukupemha uku inonzi ichabatsira mukuti vatambi ava vadzoserewo kunharaunda dzakavasimudzira kuburikidza nekusimudzirawo nhabvu yevechidiki pamwe nechikwata chenyika chemaWarriors.

Mugabe anoti vatambi vakaita mukurumbira kubva kuzvikwata zvakasiyanasiyana vari muBritain vachange varipowo pamabiko aya.

Mumwe mutambi, Carlos Max ari kutarisirwawo kubva kumusha achizove munyarikani pamabiko aya.

Mugabe anoti vanhu vachatandadzwa nemumhanzi uchabva kuchikwata cheLimpopo Groove, icho chine chimwe chizvarwa cheZimbabwe Tomson Chauke, uyo akamboimbawo nevaimbi vakaita samushakabvu Simon "Chopper" Chimbetu naAlick Macheso.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naJoe 'Kode' Mugabe