Spar Yobuda muZimbabwe neKuoma kweZvinhu

  • Jonga Kandemiiri

Vatengi vari mune cimwe chitoro chezvekudya.

Kambani huru yezvitoro zvinotengesa zvekudya yeSpar, iyo ine muzinda muSouth Africa, inonzi yazivisa kuti yave kuvhara muzinda wayo muZimbabwe nekuda kwekusasimba kweupfumi hwenyika.

Sangano renhau reReuters rinoti kambani yeSpar yazivisa kuti muzinda wayo muZimbabwe wanga uchiwanisa vane zvitoro zviri pasi pekambani iyi zvinhu zvekutengesa, kana kuti distribution centre, vave kuvharwa.

Danho iri rinonzi richasiya vane zvitoro ava vave kuwana zvinhu kubva kuSouth Africa, danho rinonzi nedzimwe nyanzvi mune zveupfumi richaomesera vanenge vasina mari yekunze yekuti vabhare.

Mukuru weSpar VaGraham O’connor vanonzi neReuters vati nyaya dzezvehupfumi dzavaomera zvakanyanya, zvikuru nyaya dzekubhadharwa kwezvinhu.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera vanoti danho ratorwa neSpar iri harishamisi sezvo vakawanda vasisazivi remangwana ravo muZimbabwe, zvikuru nekuunzwa kwema bond notes.

"Ndinoona risiri danho rakajekera economy. I think, eeh, kambani yakaita seSpar, eeh, kubuda kwayo muno umu kunenge kuchiratidzawo kuvamwe kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muhupfumi hweZimbabwe. ndofunga vaakutyawo ma bond notes," VaKuchera vanodaro.

Vanoti haisi kambani yeSpar chete iri kunetsekana sezvo masvondo mashoma adarika vakuru vekambani huru yekunze kwenyika yeDelta vakatozivisawo kuti kambani yavo iri kukundikanawo kubhadhara zvikwereti zvayo zvekunze nekuda kwekunetsa kwemari munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMasimba Kuchera