Dare repamusoro rakatara nemusi weChitatu kuti mapurisa haakwanise kurambidza kana kutadzisa nhengo dzebato reMDC T kufora nemusi weChina dzichiratidzira pahurongwa hwadzo hwekunyunyuta nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Vachipa mutongo wavo mudare, mutongi wedare iri VaJustice Happius Zhou vati bumbiro remitemo rinopa mvumo yekuratidzira kuna ani nani zvake chero ari chizvarwa cheZimbabwe, nekudaro mapurisa haana masimba ekuvarambidza.
Mutongi anonzi atiwo mapurisa ndiwo anofanirwa kubhadhara muripo wenyaya iyi kudare.
Bato reMDC-T, richimirirwa nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights anoti VaKennedy Masiye naVaSharon Hofisi, ranga rakwira kudare reHigh Court richida kuti dare iri ripindire mushure mekunge mapurisa arizivisa kuti harigoni kuratidzira sezvo painge pasina mapurisa akakwana anochengetedza runyararo sezvo ari kugadzirira kuita zvezuva rekuwana kuzvitonga kuzere.
Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti vafadzwa zvikuru nemutongo uyu.
“Tiri kufara zvikuru nemutongo uyu sezvo dare reHigh Court rangotsinhira zviri mubumbiro remitemo yenyika.” VaGutu vanodaro.
Vanoti vanotoshamisika kuti mapurisa anga avarambidza kuti varatidzire sezvo asina rutsigiro rwemutemo kuti aite izvi.
MDC-T inoti kunyange hazvo iri iyo iri kuronga nezvekuratidzira uku, iri kuwana rutsigiro kubva kune mamwe mapato ezvematongerwo enyika nemasangano akazvimirira.
“Tiri kutambira mashoko ekutisimbisa kubva kumapato akati wandei, ndingangoda kudoma bato raVaMangoma reRenewal Democrats of Zimbabwe.
"Ndiri kutotambira mahwi anobva kumutauriri wavo VaPishai Muchauraya vachiti toshuvira kuti deno demonstration yenyu yafamba zvakanaka,” VaGutu vanodaro.
MDC-T iri kuda kuratidzira ichi nyunyuta nepamusoro penzara yabata nyika, kusamira zvakanaka kwehupfumi pamwe nehuwori hwainoti hwatekeshera nenyika yose.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaObert Gutu