Mapato ezvematongerwo enyika anopikisa hurumende ari pasi peNERA oronga kumwe kuratidzira kune mutsindo mukupera kwesvondo achida kuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe.
Vebazi rinoona nezvemadzimai reWomen’s Affairs vachishanda nesangano reUnited Nations Population Fund kana kuti UNFPA, vanovhura nzvimbo inobatsirwa vanenge vashungurudzwa kana kuti One Stop Centre, mudhorobha reGwanda.
Mhuri dzinosvika makumi mashanu dzakapisirwa dzimba dzadzo nemapurisa pamwe nechikonzi papurazi reDownend of Charfield kwaZvimba, iro rinove remuzukuru wemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvoronga kuratidzira mukupera kwesvondo kumusangano weUnited Nations uchaitirwa kumuzinda weUN kuNew York uyo uchapindwawo nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Muchirongwa che LiveTalk nhasi na 8:00pm tiri kutarisa nezvekuratidzira kuri kuitika munyika pasi peNERA pamwe nemashoko ekuti Zanu PF haisi kuzovandudza mitemo inoita kuti ibude mukutonga.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 KiloHertz pa ShortWave.
Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Gunyana 12, 2016