Misoro yeNhau, China Ndira 21, 2016

Shona

Sangano revarairidzi rePTUZ rinokwira kudare reLabour Court richipikisa danho rehurumende rekushevedza varairidzi vari pazororo kuti vadzoke kumabasa.

Murongi wemisangano mubato reZanu PF VaSaviour Kasukuwere voparura chirongwa chekutsvaga rutsigiro musarudzo dzePrimary kuMhondoro Mubaira vachinzi vari kutyisidzira vanhu.

Hurumende inoti yave kuda kuvandudza mashandiro emakambani ari pasi payo.

Muchirongwa cheLivetalk- Womens Round Table na 8:30 pm tiri kutarisa nyaya yematambudziko osangana nemadzimai nenyaya yekuputswa kwedzimba uye kusawana mvura nezvimwe.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.

Your browser doesn’t support HTML5

Studio 7 Headlines, Thursday, January 21, 2016