MDC T Inotambira neMufaro Kuramba kwaVaMugabe Kutambira Mubairo wekuChina

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe (file photo - 10 Aug. 2010)

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rinotambira nemufaro danho rakatorwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, rekuramba kutambira mubairo werunyararo weConfucius Peace Prize wavakanga vapiwa nesangano rekuChina reChina International Peace Studies Centre seruremekedzo rwekugona kwavo kutonga pamwe nekubatanidza nyika dzemuAfrica.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti kunyange hazvo mubairo uyu wanga wagara usina kukosha, VaMugabe vakaona kushoropodzwa kwavakaitwa nebato ravo reMDC T pamwe nevamwe vana veZimbabwe vakanga vashamiswa nekuremekedzo rwunopiwa kumunhu avanoti anozivikwanwa nekutyora kodzero dzevanhu.

VaGutu vanotiwo zvakare kunyange dai mubairo uyu wanga uchibva kusangano rinozivikanwa pasi rose, vanga vachingoushora chete sezvo vagara vachitsoropodza mabatirwo ekodzero dzevanhu muZimbabwe nehurumende yaVaMugabe.

“Hazvina zvazvinoreva nekuti takatombotsoropodzawo pazvakabuda mumazirhedhiyo muno,” VaGutu vanodaro.

Mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vanonzi vakabuda mukupera kwesvondo vachiti VaMugabe vakanga vasiri kuzotambira mubairo uyu, vachiti zvakare sangano reChina International Peace Studies Centre raida kutsvaga mbiri nekuburikidza nezita raVaMugabe.

VaCharamba vanonzi vakatiwo hurumende yeChina yakanga yavazivisa kuti yakanga isina chekuita nemubairo uyu kanawo nesangano riri kupa mubairo uyu.

Vamwe vakambopiwa mubairo uyu nesangano iri vanoti VaFidel Castro vakambotungamira Cuba naVaVladmir Putin vekuRussia vanonziwo havana kunotora mibairo yavo.

Mubairo uyu unonzi une huremu hwakaenzana neNobel Peace Prize inopiwa nerimwe sangano rekuSweden.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu