Murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika, VaItai Dzamara, vakaremekedzwa zvikuru neChishanu chapfuura nekuwaniswa mubairo wekurwira kodzero dzevanhu pamabiko akaitwa nesangano reZimbabwe Human Rights Association, ZimRights.
VaDzamara, avo vakasvitsa mwedzi mipfumbamwe vapambwa nevarume vashanu vasingazivikanwi, vakawana mubairo weOverall Human Rights Defender of The Year, zvichireva kuti ndivo vakaonekwa sevakarwira kodzero dzevanhu zvakasimba kudarika vamwe.
Vamwe vanonzi vakawana mibairo ndiMuzvare Jessie Majome veMDC T vanomirira Harare West mudare reparamende, avo vakawana mibairo miviri, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri weMDC T, Muzvare Thokozani Khupe, avo vakawana mubairo weHealth Activist of The Year kuburikidza nekurwisa kwavo chirwere chegomarara.
Mudzimai waVaDzamara, Amai Sheffra Dzamara, vanoti semhuri vakaninipiswa zvikuru nekuremekedzwa kwemurume wavo kuburikidza nekuwaniswa mubairo.
Vanoti zvinhu zvinorwadza kuti chiitiko ichi chiri kuuya pasina anoziva kuna VaDzamara.
Amai Dzamara, avo vanoti gore rino havasi kupemberera zororo reKisimusi nekuti murume wavo haapo, vanoti zvinhu zviri kuramba zvichivaomera kuti variritire mhuri yavo kunyange hazvo vachibatsirwa nemhuri yekwaDzamara nevamwe vane tsiye nyoro.
Vanotiwo vane chivimbo chekuti nerimwe zuva vachaona murume wavo achidzoka kumba kumhuri yake.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naAmai Sheffra Dzamara