Human Rights Watch yoKurudzira SADC Kuti Nhengo Dzayo Dziremekedze Kodzero dzeVanhu

  • Jonga Kandemiiri

Sangano reHuman Rights Watch riri kukurudzira nyika dzemuSADC kuti dziremekedze kodzero dzevanhu

Sangano reHuman Rights Watch riri kukurudzira sangano reSADC kuti ritore matanho akasimba mukuona kuti kodzero dzevanhu dzaremekedzwa nenyika gumi neshanu dziri mugungano iri.

Mashoko eHuman Rights Watch aya anouya panguva iyo musangano weSADC Summit uri kupindwa nevatungamiri venyika dzemugungano iri watanga kuSwaziland.

Musangano weSADC uyu uri kuitwa pasi pedingidira rakananangana nekushandisa zviwanikwa munyaya dzebudiriro kana kuti, “Resource Mobilisation for Investment in Sustainable Energy Infrastructure for an Inclusive SADC Industrialisation for the Prosperity of the Region.”

VaRicky Mukonza, vanove nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachidzidzisa paTswane University of Technology kuPolokwane vanoti havaone gungano reSADC richi teerera zviri kutaurwa neHuman Rights Watch.

“Chokwadi chokwadi ndechekuti ini handioni sangano re SADC iri richitora matanho ekuti nhengo dzaro dziri kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu dzisataora matanho iwayo,” VaMukonza vanodaro.

Vanoti vanodaro nekuti SADC inenge yakangozara vanhu vanenge vanongobhabhadzirana.

“Havanyanyotarisi nyaya sezvadzinenge dziri nekuti tine mienzaniso yakawanda yenyaya dzaiunzwa kuSADC kuti itore matanho, asi SADC haina matanho ayakatora.”

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakasvika kumusangano uyu neMuvhuro.

Mutungamiri weSwaziland Mambo Mswati vetatu ndivo vatora chigaro chekuva sachigaro weSADC kubva kumutungamiri veBotwana Lt General Seretse Ian Seretse Khama mushure mekunge vatungamira sangano iri kwegore rose.

Chiitiko ichi chatora nzvimbo paparurwa musangano wechimakumi matatu nenhanhatu uyu pamuzinda weLozitha uri kuEzulwini muSwaziland makare nemusi weChipiri.

Vatungamiri venyika nedzihurumende vari kupinda musangano uyu vanosanganisira VaMugabe, Mambo Mswati III, VaHage Geingob veNamibia, VaPhillipe Nyusi veMozambique, Mutungamiri wehurumende yeLesotho VaPakadita Mosisidi, VaJacob Zuma veSouth Africa, pamwe nevatevedzeri vevatungamiri veTanzania neAngola.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRicky Mukonza