Hutungamiri hwesangano reRural Teachers’ Union of Zimbabwe, RTUZ, uhwo hwapinda muzuva repiri huchifamba netsoka huchiratidzira huchibva kuMutawatawa mudunhu reMaramba-Pfungwe hwakananga kuHarare, hunoti hwaiswa panguva yakaoma mushure mekutyisidzirwa nenhengo dzevasori pamwe nevechidiki vanofungidzirwa kuti inhengo dzebato reZanu PF.
Mashoko aburitswa nesangano iri anoti nhengo dzaro gumi neshanu dziri kufamba idzi dzanga dzarara pachikoro paMashambanhaka, asi dzazoshamisika dzovhurumutswa nenhengo dzevasori nhatu, izvo zvaita kuti dziputse musasa dzakananga kwaNhakiwa.
Asi vasori ava, avo vanonzi vange vave vana, vavatevera zvakare vakazobvunzurudza mutungamiri wesangano iri VaObert Masaraure pamwe nevanoona nezvekufambiswa kwemabasa muRTUZ, VaPride Mukono nezvechinangwa chavo chekuratidzira pamwe nekusarudza kwavakaita kutangira muMaramba yavanoziva kuti idunhu reZanu PF.
Gwaro iri rinoti hutungamiri uhwu hahusati hwaziva kuti zvinhu zvichapera sei, sezvo vasori ava vabatana nevechidiki vanomwe vanofungidzira kuti ndeveZanu PF vari kuvafudza kwese kwavari kuenda.
Mumwe wevasori ava, uyo tapiwa zita rake, anonzi ndiye nyakutysidzira nerufu hutungamiri uhwu nemusi weMuvhuro pavakanosiya gwaro ravo renyunyuto kumahofisi edzidzo emudunhu reUzumba-Maramba-Pfungwe.
Mutauriri wesangano iri, VaRobson Ruhanya vanoti usiku hwemusi weMuvhuro vakatorerwa chikafu chavo usiku nevanofungidzirwa kuti ndevechidiki veZanu PF pachikoro cheNyagande panove pavarara.
VaRuhanya vanoti vabereki nevana vechikoro vave kutya kuvatsigira mukufamba kwavo mushure mekutysidzirwa uku.
Vanoti nekuda kwekuti vakanonoka kusimuka neMuvhuro kubva paMutawatawa, vakwanisa kungofamba makiromita gumi nemashanu chete kusvika paNyagande, uye makiromita makumi maviri kubva paNyagande kunosvika paMashambanhaka.
Hutungamiri uhwu huri kutarisirwa kunosiya tsamba dzenyunyuto kumahofisi ebazi redzidzo paMurehwa, kuGoromonzi dzopedzisira nemuHarare pamwe nekumahofisi esangano rinomirira vashandi vehurumende rePublic Service Commission.
Zvinyunyuto izvi zvinosanganisiradzinosanganisira mihoro yevarairidzi, kushungurudzwa kwevarairidzi vekumaruwa nezvimwe.
Varairidzi ava vari kutarisirwa kufamba makiromita mazana maviri.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaRobson Ruhanya