Nhengo dzeParamende Dzobatana Pakuramba Kutambira Danho reKuti Hurumende Itore Chikwereti chePSMAS

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

PSMAS

Nhengo dzedare reparamende kubva kumapato ose eMDC ari maviri neZanu PF nemusi weChina dzakaramba kutambira kurudziro yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe yekuti pave nekamutemo kanovabvumidza kushandisa masimba avo kuti hurumende itore chikwereti chePremier Services Medical Aid Society, PSMAS.

VaMugabe vanonzi vaida kuti vadare ava vatambire Statutory Instrument 77 of 2015, iyo yaizopa kuti vashandise masimba avo kuti hurumende itore chikwereti chePSMAS chinosvika mamiriyoni zana nemakumi mana nemana emadhora yobhadhara iyo.

Asi zvinonzi nhengo idzi dzakaita chirwirangwe mukuramba danho iri dzichiti kambani yePSMAS haisi pasi pehurumende kuti ichengetedzwe nemutemo unodzivisa kutorwa kwemidziyo nezvivakwa nevaine zvikwereti navo.

Chiziviso chedanho iri chakaverengwa muparamende nasachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemitemo, uye vachimirira Mudzi South muparamende vakazvimirira, VaJonathan Samkange.

Nhengo yedare reparamende inomirira Harare West, Muzvare Jessie Majome veMDC T vanoti sekomiti vakaona zvisina kukodzera kuti PSMAS imirirwe ivo vatungamiri vayo vakapfachura mari kusvika yagwadama.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Jessie Majome

Nhengo yeparamende inomirira Buhera South, VaJoseph Chinotimba veZanu PF vanotiwo havaoni kuti paramende yaipasisa mutemo wakadaro wekutsiva mari dzakadyiwa nevakuru vakuru vePSMAS vanotozivikanwa.

VaChinotimba vanoti dai mutemo uyu wakapinzwa mudare uchinzi uri kuda kudzivirira midziyo yekambani iyi, zvimwe vadare vaiutambira neimwe nzira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoseph Chinotimba