Vadare Vokurudzira Kuti Vakanokora Muhomwe yePSMAS Vasungwe

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvehutano Doctor David Parirenyatwa

Nhengo dzeparamende dzeMDC kusanganisira dzeZanu PF, dziri kukurudzira kuti vakuru muhurumende vakanokora mari muhomwe yePremier Service Medical Aid Society (PSMAS) kuti vasungwe.

Vari kunzi vakawana mari kubva PSMAS vanosanganisira mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, nevamwe.

Nhengo yeparamende inomirira Mabvuku-Tafara, VaJames Maridadi veMDC T, vanoti ivo nevamwe vavo vakakurudzirawo kuti paumbwe komiti inoongororawo bhodhi raitungamira PSMAS, uye kuti patorwe matanho ekuona kuti vanhu ava vadzosera mari idzi.

Nhengo dzeZanu PF dzinosanganisira VaJoseph Chinotimba, VaMunyaradzi Kerekere pamwe naVaFortune Chasi ndevamwe vevanhu vanonzi vakakurudzira vaive mukuru wePSMAS, VaCuthbert Dube, kuti vadzosere mari inoda kusvika mamiriyoni makumi maviri emadhora yavanonzi vakatambira semuhoro pamwe neimwe inodarika mamiriyoni makumi maviri yavakagowana nenhengo dzebhodhi mushure memisangano yavaigara.

PSMAS inonzi yakabirwa mari inodarika mamiriyoni makumi mana emadhora kuburikidza nemihoro yakakurisa yaipiwa vashandi, mari dzaibhadharwa nhengo dzebhodhi pamwe nedzimwe dzinonzi dzaibhadhrwa vanhu vainzi vachapa rubatsiro kuvashandi vaibatirwa mari dzavo dzekuti vagozorapwa pasi pechirongwa che PSMAS.

VaParirenyatwa vanonziwo vakapiwa mari inodarika makumi manomwe ezviuru zvemadhora ichinzi ndeyebasa ravakanga vasati vatomboita.

Nhengo yeZanu PF, vachiongorora zvematongerwo enyika, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti vanofadzwa nekunzwa kuti vadare vakabatana mukutora danho rekukurudzira kuti vakamora mari idzi vasungwe.

VaChirumhanzu vanoti iyi ndiyo yagara iri kurudziro yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yekuti vanoita zvehuwori vatorerwe matanho

Asi VaMaridadi vanoti nyaya iyi ndiyo ichave munongedzo wekuti hurumende yeZanuy PF yakazvipira here kana kuti kwete kutora matanho ekuparadza huwori.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJames Maridai pamwe naVaGadzira Chirumhanzu