Muchuchisi Mukuru weNyika, VaRay Goba, Vanombomiswa Basa

  • Jonga Kandemiiri

Vatongi vedare repamusoro.

Muchuchisi mukuru wenyika, kana kuti Prosecutor-General, Advocate Ray Goba, vamiswa basa chiriporipotyo vachipomerwa mhosva dzine chitsama dzinosanganisira kukundikana kuroverera kumatare edzimhosva vanhu vanozivikanwa kunzi vakapara dzimhosva.

Zvinonzi hurumende yatotanga hurongwa hwekuti VaGoba vaferefetwe kuburikidza nedare richaumbwa kuita basa iri mushure mekunge Judicial Services Commission, JSC, yakomekedza kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaumbe dare iri.

VaGoba vabvuma kuStudio7 kuti vamiswa basa asi varamba kutaura nezvazvo.

Muchuchisi mukuru uyu haana mwedzi yakawanda apinda muhofisi zvichitevera kusiiswa basa kwevaive muchuchisi, VaJohannes Tomana, avo vakadzingwa basa nevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mushure mekupomerwa mhosva yekusaita basa ravo nemazvo.

Gweta uye vari mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti pasi pemutemo wenyika mutungamiri wenyika anogona kumbomisa muchuchisi mukuru basa kana paine zvaanofunga kuti ari kukanganisa mubasa rake.

Asi VaMadhuku vanoti panyaya yaVaGoba panogona kunge paine zvinhu zviviri, chepiri chacho chiri chekuti panenge paitwa zvematongerwo enyika mukumiswa basa kwavo sezvo nyika yatarisana nesarudzo.

Vanoti hurumende inofanirwa kuziva kuti muchuchisi mukuru haasi iye anosunga vane mhosva, asi kuti pamurisa ndiwo anofanirwa kuita izvi vozosvitsa nyaya dzacho kumuchuchisi mukuru kuti adzirarise kana dzichikodzera kuchuchiswa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku