Nekuona kuparara kwaita migwagwa nekuda kwemvura iri kunaya zvakasimba mazuva ano, bato rinopikisa reTransform Zimbabwe rinoti rakazvipira kuita basa rekuvhara makomba emumigwagwa ayo anonzi ave kuita kuti kufamba mumigwagwa mizhinji yemumaguta emunyika kuite sekwemunhu anofamba netsoka mumunda uzere mafeso.
Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume vanoti ivo nenhengo dzebato ravo vakatotanga nekugadzira imwe nzvimbo inonzi yakashata zvikuru mumugwagwa weChitungiza/Harare uye vari kuronga kupinda muguta reHarare svondo rinouya.
Vanoti nhengo dzebato ravo mumativi mana enyika dzinenge dzichingoitawo basa iroro mumigwagwa yakasiyanasiyana.
VaNgarivhume vanoti sechizvarwa cheZimbabwe havadi kutanga vawana mvumo kubva kuboka rinoona nezvemigwagwa yose yemunyika reZimbabwe National Roads Adminstration, ZINARA kana kubva kumakanzuru.
Vanoti ZINARA pamwe nemakanzuru ndiwo vari kukundikana kuita basa ravo nemazvo, uye mari iri kuwanikwa neZINARA kubva kuma toll gate hapana anoziva kuti iri kushandiswa sei.
Studio yakundikana kunzwa divi reZINARA kanawo kanzuru yeguta reHarare panyaya iyi.
Asi meya weHarare VaBernard Manyenyeni vakazivisa padandemutande reFacebook kuti vakanga vaita musangano nasachigaro webhodhi reZINARA VaAlbert Mugabe pamusoro pedambudziko remakomba ari mumigwagwa iri.
VaManyenyeni vakati VaMugabe vakavimbisa kuti vachatarisa nyaya iyi seyechimbichimbi.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJacob Ngarivhume