Gweta revatori venhau veZimpapers vakasungwa neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekunyora nyaya inopomera mumwe mukuru-mukuru wemapurisa kuva nechekuita nekuurayiwa nemuchetura kwenzou kuHwange rinoti vasungwa ava vari kumanikidzwa kuburitsa zita remukuru wemapurisa uyu.
VaJames Muzangaza vanoti vatori venhau vatatu veSunday Mail vanoti mupepeti webepanhau iri, VaMabasa Sasa, mupepeti wenhau dzekuferefeta, VaBrian Chitemba, pamwe nemutori wenhau, Tinashe Farawo, vari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo weCriminal Law (Codification and Refrom) Act vachiburitsa pamwe nekuparadzira manyepo.
Vatatu ava vanonzi vakachengetedzwa pakamba yeHarare Central uye vari kutarisirwa kumiswa pamberi pematare nemusi weChitatu kudare reHarare Magistrate.
Mapurisa anonzi aitawo musangano nevatori venhau muHarare neChipiri masikati achipikisa nyaya iyi uye agoverawo gwaro rekuferefeta kwaari kuita nyaya yekuurayiwa kwenzou iyi.
Asi VaMuzangaza vanoti vane hurongwawo hwekukwira kumatare epamusorosoro vachipikisa kutyorwa kwekodzero dzevarume vatatu ava.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJames Muzangaza
Sachigaro weMISA-Zimbabwe, VaKumbirai Mafunda, vanoti sesangano vanoshora zvikuru danho rakatorwa nemapurisa rekusunga vatori venhau ava.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaKumbirai Mafunda