Boka rePlatform of Concerned Citizens, PCC, Roronga Musangano weKuzeya Mamiriro eZVinhu Munyika

  • Jonga Kandemiiri

Doctor Ibbo Mandaza

Vatungamiri vemapato ose ezvematongerwo enyika vari kutarisirwa kusangana nemusi weChina muHarare kumusangano wekuzeya matambudziko ari munyika pamwe nekutsvaga nzira dzingashandiswa kuti paumbwe hurumende ichafanobata matomu, kana kuti National Transitional Authority.

Vamwe vari kutarisirwa kupinda musangano uri kukokerwa nePlatform of Concerned Citizens (PCC) uyu vamiriri vemasangano akazvimirira, vadzidzi, vechidiki pamwe nemadzimai.

Mumwe wevari kuronga musangano uyu, Doctor Ibbo Mandaza vanoti chinangwa chemusangano wavo ndechekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro mamiriro akaita zvinhu munyika.

"Musangano wacho tadaidzira kuti tione kuti maZimbabweans senyika vanoti chiinenyaya ye crisis yatatarisana nayo senyika yeZimbabwe. Ndo main purpose yedu yemusangano wemusi weChina," Doctor Mandaza vanodaro.

Vanoti nyaya yekuti ndiani achatora masimba kana VaMugabe vachinge vasiya chigaro iri kunetsa, saka boka ravo riri kuda kudzivirira mhere nekuurayana kuburikidza nekuumbwa kwe National Transitional Authority.

"Inenge iri nguva yekuti makore maviri or 18 months,vanhu vagara pasi vaine National Transitional Authority yevanhu vasiri ma politicians asi vanhu vakanangana nekuti nyika ipore."

Vanoti kusvika pari zvino vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika vazivisa kuti vachange vari pamusangano uyu vanosanganisira VaTendai Biti vePeople’s Democtratic Party, VaDumiso Dumiso Dabengwa vebato reZapu pamwe naVaSimba Makoni veMavambo/Kusile/Dawn.

Asi Doctor Mandaza vanoti havasati vanzwa kubva kumapato anoti MDC T yaVaMorgan Tsvangirai, Zimbabwe People First yaAmai Joice Mujuru, pamwe neZanu PF inotungamirirwa naVaRobert Mugabe.

Asi mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vaudza Studio 7 kuti bato ravo harisi kukwanisa kuve pamusangano uyu sezvo pari zvino riri kumbonangana nekurwisa kuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe riri pasi pemubatanidzwa weNERA.

Ukuwo mutauriri weZimbabwe People First, VaJealousy Mawarire vatiwo mutungamiri webato ravo Amai Mujuru havakwanisi kunge vari pamusangano uyu nemusi weChina sezvo vachisimuka kuenda kuSouth Africa zuva iroro kumusangano wavari kuronga kuita neMugovera.

Hatina kukwanisa kunzwa kudivi reZanu PF kana VaMugabe vachabudirira kunge varipo pamusangano uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Ibbo Mandaza