Sangano rePassenger Association of Zimbabwe Rokurudzira Kuti Paumbwe Homwe yeRoad Accident Fund

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wesangano rePassenger Association of Zimbabwe, VaTafadzwa George Goliati

Mutungamiri wesangano rinorwira kodzero dzevanofamba nemichovha pamwe nemabhazi rePassenger Association of Zimbabwe, VaTafadzwa George Goliati, vanoti sangano ravo riri kurwisa zvikuru kuti hurumende ibatsire mhuri dzinenge dzarasikirwa nehama mutsaona dzemumigwagwa.

VaGoliati vanoti vari kukurudzira kuti hurumende iumbe homwe inonzi Road Accident Fund, iyo inozobatsira, semuenzaniso, kuendesa kuchikoro vana vanenge vasiiwa nevabereki vanenge vashaikira mutsaona dzemumigwagwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa George Goliati