Mapato Anopikisa Oronga Kusangana neMutungamiri weNyika VaMugabe

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe

Mapato ose anopikisa ari kurwira kuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe anonzi ane hurongwa hwekusangana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, munguva pfupi inotevera, kuti asvitse zvinyunyuto zvaainazvo pamusoro pemitemo ine chekuita nesarudzo.

Munyori anoona nezvesarudzo muMDC T, VaMurisi Zwizwai, vanoti mapato anopikisa aya ari kutarisirwa kusangana nemusi weChina svondo rino kuti arovane misoro pamusoro pehurongwa hwekusangana naVaMugabe uhwu.

VaZwizwai vanoti zvavanotarisira kusvitsa kuna VaMugabe inyaya dzakaita sekumbunyikidzwa kwevanhu, zvikuru nemadzishe nemasabhuku, kupindira kwemauto nemapurisa musarudzo, pamwe nenyaya yekushaiswa kwemapato anopikisa mikana yekushandisawo nhepfenyuro yeZBC pamwe nemapepanhau ari pasi pehurumende.

VaZwizwai vanoti sebato reMDC-T vagutsikana nezvabuda mukuedzwa kwemichina yeBVR iyi muzuva repiri pachikoro cheMurape High chiri kumaruwa ekwaSeke, uye neMuvhuro paMabvuku High School.

Vanotiwo vanoona sekunge pachine nguva inokwana yekuti michina iyi itengwe, igopinzwa munyika, vanhu vachizotanga kunyoresa sarudzo dzisati dzasvika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMurisi Zwizwai