Bhodhi idzva reNational Social Security Authority, NSSA, svondo rino rakadzinga hutungamiri hwepamusoro hwese hweNSSA huchipomerwa mhosva yekusaita basa zvakanaka pamwe nekusashandiswa zvakanaka kwemari.
Bhodhi idzva reNSSA rave kutungamirwa nasachigaro VaRobin Vela, rakaburitsa gwaro neMuvhuro rekuzivisa kuti vaive mukuru weNSSA, VaJames Matiza, nevamwe vavo vanoti VaShadreck Vera, VaPatrick Mupani, VaTendai Mafunda pamwe naVaBright Chidyagwai, vakanga vamiswa basa.
VaVela vakazivisa mugwaro iri kuti vachafanotungamira NSSA pachimirirrwa kuti pasarudzwe hutungamiri hutsva imwe nhengo yebhodhi, VaHashmon Matemera.
Masangano anomirira vashandi anga agara achichema nemafambisirwo aanoti aiitwa boka rinochengeta mari dzemudyandigere iri, vachiti mari dzevashandi dzanga dzisiri kufambiswa nemazvo.
Munyori mukuru weZimbabwe Federation of Trade Unions, VaKennias Shamuyarira, vanoti sesangano rinomirira vashandi vanotambira nemufaro danho ratorwa nebhodhi iri sezvo ranga ratononoka kuuya.
VaShamuyarira vanoti vamwe vevanhu vamiswa mabasa ava ndivo vanhu vanga vakagarira mari dzevashandi vaitadza kuwana mari dzavo nguva iripo.
“Kubviswa kwaitwa VaMatiza ava, nana Vera nanani nanani ava kwakuunzawo vanhu vatsva, vanyowani vatinotarisira kuti vachanyatsa kuvhetwa,” VaShamuyarira vanodaro.
Vanoti NSSA inoumbwa nevashandi, vashandirwi pamwe nehurumende izvo zvichaitawo kuti vamiriri vavo vari mubhodhi vaongorore vachazodomwa kuti vatingamire sangano iri.
“Ende tinotarisira kuti vanhu vachaiswa nebhodhi idzva iri vanenge vakatarisira zvikuru sei kuvakira vashandi dzimba dzinotengeka, kuvakira vashandi zvipatara zvinoita kuti vashandi varapike zvakanaka, kugadzirisa migwagwa nokuti ndomunofamba nevashandi,” vanodaro VaShamuyarira.
Vanotiwo vanotambira nemaoko marefu bhodhi idzva iri, iro vanoti rave nemasvondo anoda kusvika mana chete raumbwa.
NSSA yakaumbwa pasi pemutemo wakadzikwa mugore ra 1989 nechinangwa chekupa kugara kwakanaka kuvashandi vanenge vasiya mabasa, kudzivirira njodzi mumabasa pamwe nekupa hutano hwakanaka kunhengo dzese kuburikidza nezvirongwa zvakasiyanasiyana.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaKennias Shamuyarira