Bato raAmai Mujuru reNPP Rinoparura Manifesto Yaro

  • Thomas Chiripasi

Mutungamiri weNPP, Amai Joice Mujuru

Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru, avo vave kutungamira bato reNational people’s Party, nhasi vaparura gwaro rehwaro hwavachatevedzera mukutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rino.

Vachitaura pakuparura kwavaita gwaro ravachashandisa mukutsvaga rutsigiro musarudzo dzegore rino kana kuti manifesto yebato ravo kuDotito mudunhu reMashonaland Central nhasi, Amai Mujuru vati mubatanidzwa wavari kutungamirira wePeople’s Rainbow Coalition uchasimbaradza nyaya yebudiriro munzvimbo dzose munyika.

Vatiwo vakazvipira kuita mushandirapamwe nemamwe mapato kuitira kuti mapato anopikisa akwanise kubvisa hurumende yeZanu PF musarudzo dzegore rino.

Amai Mujuru vatiwo vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vave kuziva chokwadi chekuti VaEmmerson Mnangagwa, avo vave mutungamiri wenyika, ndivo vaironga zvekupidigura hurumende yavo kwete zvavakadzingirwa muZanu PF vachinzi vaironga kupandukira VaMugabe.

Zvichakadai Amai Mujuru vati ruzhinji rweZimbabwe rwaona chitsvuku kubudikidza nehutongo hweZanu PF vachiti vakabva neko kumhunga hakuna ipwa, hapana chichakwaniswa neZanu PF mukugadzirisa hupfumi hwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Thomas Chiripasi