Mumwe Mubereki Anoenda kuDare Achipikisa Hurongwa Hwekuti Mhiko Iitwe muZvikoro

  • Jonga Kandemiiri

Vana vechikoro vanenge votarisirwa kutevera mhiko iyi kubva panovhurwa zvikoro mwedzi unouya. (Photo: Education USA)

Magweta esangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights neChishanu chapfuura akakwira kudare repamusorosoro re Constitutional Court achida kuti dare iri ritare mutongo pamusoro pemhiko kana kuti National Pledge

Magweta esangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights nemusi weChishanu chapfuura akakwira kudare repamusorosoro re Constitutional Court achida kuti dare iri ritare mutongo pamusoro pemhiko kana kuti National Pledge inonzi iri kunzi vana vechikoro vadzidzire uye vange vave kuita panovhurwa zvikoro mwedzi unouya.

Izvi zvinotevera kuramba kuri kuita mumwe mubereki kuti vana vake vadzidzire mhiko iyi achiti inotyora kodzero yake semuKiristu.

Mumwe wemagweta aya, VaDavid Hofisi vanoti murume avari kumirira uyu ane vana vake vatatu vari kuenda kuzvikoro zvinoti Chizungu Primary School chiri kuEpworth neMashambanhaka Secondary School iri kuUzumba.

VaHofisi vanoti murume uyu, uyo asina kudomwa nezita, anoti anopinda chechi yeApostolic Faith Mission in Zimbabwe izvo zvinozoita kuti mhiko iyi ipikisane nechitendero chake pamwe nevana vake.

Mhiko iyi inonzi iri kurambwawo nemamwe masangano emachechi, ayo anonzi ari kutya kuti ichashandiswa nehurumende mukurasa munamato watenzi uri kuitwa muzvikoro pari zvino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDavid Hofisi