Mauto Ochenura Muchetura weCyanide muHwange National Park?

  • Jonga Kandemiiri

Nzou dzakawanda dzakawanikwa dzakafa panzvimbo yadzainwa mvura muHwange National Park

Mauto anonzi ndiwo ave kutungamira kuparadzwa kwemitumbi yenzou dzinodarika makumi matanhatu nedzimwe mhuka dzakaurayiwa nemuchetura wecyanide muHwange National Park.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzemhuka reZimbabwe Conservation Task Force, VaJohnny Rodriguez, vanoti mashoko avari kutambira anoratidza kuti mauto ndiwo ave kutungamira kupiswa kwemitumbi yemhuka idzi pamwe nekuchengetedza madota acho, uye kuchenesa nzvimbo dzakakanganiswa nemuchetura uyu.

VaRodriguez vanoti havasati vawana ruzivo rwekuti pane matanho ati atorwa here ekuchenesa muchetura wakaiswa mumatsime ainwiwa nemhuka pamwe nenzvimbo dzaidyiwa ivhu nenzou, sezvo veruzhinji vasisabvumidzwi kupinda nekubuda madiro munzvimbo iyi.

Mugore ra2013 boka reNational Parks and Wildlife Management Authority rakabatsirwa neboka reEnvironmental Management Agency mukukukura ivhu raive nemuchetura wecyanide wakashindiswa mukuurayiwa kwenzou dzaidarika mazana matatu richinorasirwa munzvimbo dzakachengetedzeka.

Asi VaRodriguez vanoti dzimwewo mhuka dzakawanda kusanganisira Kamba neshiri zviri kuwanikwawo zvakafa nemuchetura uyu.

“Vanofanirwa kuchenura nzvimbo dzese dzine cyanide mvura isati yanaya nekuti yakanaya inozofukura nekueredza mushonga wacho,” vanodaro VaRodriguez.

Studio 7 yatadza kubata mutauriri weNational Parks and Wildlife Management Authority, Amai Carolyn Washaya-Moyo, sezvo nhare yavo yanga ichingorira isingadairwi.

Takundikanawo zvakare kubata vechiuto kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJohnny Rodriguez