VaMunyaradzi Kereke Vanokandwa muJeri neMhosva yekuBata Chibharo

  • Thomas Chiripasi

VaMunyaradzi Kereke

Nhengo yeZanu PF inomirira Bikita West muparamende, VaMunyaradzi Kereke, vatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo.

Mutongi wedare ramejasiteri, VaNoel Mupeyiwa vawana VaKereke vaine mhosva yekubata chibharo mwana wehama yavo ari pasi pemakore gumi nemasere vachimutyisidzira nepfuti makore matanhatu adarika.

Asi imwe nyaya yekubata chibharo yanga ichi pomerwa VaKereke yaraswa mushure mekunge dare rati harina kugutsikana nehumbowo hwakaturwa mudare pakutongwa kwenyaya iyi.

VaMupeyiwa vati kunyange hazvo VaKereke vaishandisa muchuchisi mukuru wehurumende VaJohannes Tomana, avo vakambomiswa basa vachipomerwa mhosva yekushandisa masimba avo zvisirizvo vari pabasa, kuti vavhariridze nyaya iyi sezvataurwa nemuchuchisi akazvimirira panyaya iyi, VaCharles Warara, vaona zvakakodzera kuti vati iyi haisi nyaya inotsikirira VaKereke sezvo vachiti munhu wese anogona kuita zvinhu zvekuti apukunyuke panyaya yaanenge akatarisana nayo.

VaKereke vanga vatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi nemana asi mutongi wedare azovabvisira makore mana aka ndekekutanga kupara mhosva.

Mutongi atiwo anzwira VaKereke tsitsi sezvo vari munhu ane vakadzi vatatu nevana gumi nevanomwe uye vari zvakare munhu akamboshandira hurumende sachipangamazano wagavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.

VaWarara vati vafara nemutongo waturwa nedare.

"Dare raita zvandafunga kuti zviri fair and handifungi kuti tinonyanya kuve nedambudziko nazvo, eeh, kunyange zvazvo taifungidzira zvatongwa nedare, eeh, tinozvigamuchira," VaWarara vadaro.

Kubatwa kwaitwa VaKereke nemhosva kunoreva kuti kuBikita West kwave kufanirwa kuitwa sarudzo dzechipiri dzekutsvaga anomirira nzvimbo iyi mudare reparamende.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, mutauriri weboka revechidiki riri kuzvidaidza kuti Tajamuka, VaPromise Mkwananzi, avo vari kupomerwa mhosva yekupwanya zvinhu muchitoro chemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko cheChoppies chiri pakati pedhorobha muHarare, vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Hurumende inoti VaMkwananzi ndemumwe weavo vakaratidzira pamberi pechitoro chaVaMphoko vachiti chitoro ichi chinofanira kupiswa pamusana pekuti VaMphoko vari kuramba kubuda muhotera mavagara kwemakore anoda kusvika kumaviri vachishandisa mari yehurumende.

Gweta raVaMkwananzi, VaTrust Maanda avo vanoshanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, vatsinhira zvaturwa nemutongi wedare, VaTendai Mahwe.

"Zvanzi vabhadhare madhora mazana matatu ekuAmerica, vazvipereke kumapurisa musi weChishanu wega wega kuLaw and Order, uyezve vagare pa address yavakapa, uyezve kuti varege kuzovhiringidza vafakazi panyaya iyoyi," VaMaanda vadaro.

Mune imwe nyaya yanga iri mumatare zvakare, sachigaro webato idzva reViva Zimbabwe, VaAcie Lumumba, vapihwawo mukana wekubhadhara mari yechibatiso panyaya yavari kupomerwa yekubika mapepa emotokari yavanonzi vakatengesa.

VaLumumba vanzi vabhadhare mazana matatu emadhora semari yechibatiso.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Thomas Chiripasi