Kusawirirana muZanu PF Kwosvitsa VaMugabe paKutsoropodza Huroyi

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inoti mashoko emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ekushoropodza vanhu vari kuti mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakaroyiwa, anogona kuita kuti vaonekwe sekunge vakatora divi muhondo yemapoka ari kurwira kutora chigaro chavo.

Doctor Charles Mutasa, avo vanoshanda vakamirira, vanoti kunyange hazvo VaMugabe vakataura mashoko aya vachiedza kuti patsvagwe nzira dzekuti mubato ravo mugadzikane, kuramba kwavari kuita kuti kune huroyi kunogona kupa chimwe chikwata simba rekuti vari kudzivirira chimwe chikwata chiri kunongedzwa mukurwara kwaVaMnangagwa.

VaMnangagwa vanofungidzirwa kuti vakadya muchetura kumusangano wevechidiki wakaitirwa kuGwanda masvondo mashoma adarika, kunyange hazvo hurumende iri kuramba kuti vakadya muchetura.

Vachitaura kumarinda eHeroes’ Acre kwaivigwa Amai Maud Muzenda pamwechete naVaGeorge Rutanhira neMugovera, VaMugabe vakatsanangudza sekushaya pfungwa vanhu vachiri kufunga kuti munhu akarwara aroyiwa.

VaMugabe vakati naivowo vari kunangwa huroyi kunyange hazvo vasina wavakauraya, vachiti haisiriyo tsika yeMasvingo yavaiziva.

Kurwara kwaVaMnangagwa kunonzi kwakawedzera kusawirirana kuri pakati pemapoka eLacoste neG40, ayo anonzi ari kurwira kuzotora chigaro chaVaMugabe kana vachinge vazosiya basa.

VaMugabe vakashoropodzawo huwori hunonzi huri kuitwa nemapurisa, zvikuru mumigwagwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Charles Mutasa