Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nhasi vatuka mutungamiri wechikwata che#Thisflag Pastor Evan Mawarire vachiti munhu ari kutumwa nevekunze kuti atsoropodze hurumende yavo.
Vachitaura pamarinda anovigwa magamba enyika pa National Heroes Acre muHarare pakuvigwa kwaDoctor Charles Utete, avo vaimbova munyori mukuru muhofisi yemutungamiri wenyika pamwe nedare remakurukota ehurumende, VaMugabe vati Pastor Mawarire munhu ari kushandiswa nevekunze kuti asvibise zita rehurumende yavo.
“VaMawarire, handitombomuzivi. Kana ivo vanomuteerera mukurarama munyika yedu, havasi vamwe vedu, havasi vamwe vedu, havasi vamwe vedu. Apo tinoedza kurarama pamwechete, kana vasingadi kugara nesu ngavaende kune avo vari kuvabhadhara, kunyika dzevari kuvapa mari.
“Haungafurire vanhu kuti vatambire mhirizhonga, kuratidzira kwemhirizhonga, senzira yekugadzirisa zvinetswa. Tinoti kwete, kwete. Tsvagai kumwe kwekuitira izvozvo. Iye pastor wenyu, handizive kuti munhu wechechi here nekuti munhu wechechi ano paridza nezverunyararo sezviri mubhaibheri,” VaMugabe vadaro.
VaMugabe vakurudzira veruzhinji kuti vangwarire vanhu vanouya vakapfeka nhumbi dzesvondo ivo vari ny’any’a.
Pastor Mawarire, avo vakambosungwa vakapomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende yaVaMugabe, vari kubuditsa mavhidhiyo padandemutande vachi kurudzira hurumende kuti igadzirise zviri kunetsa munyika.
Pastor Evan Mawarire
Mumwe mugari wemuHarare, VaWarship Dumba vatsoropodza mashoko aVaMugabe vachiti mashoko avo ano ratidza kuti havana hany’a nekutambura kuri kuita veruzhinji munyika.
Mumwe mugari wemuHarare uye vari mupepeti webepanhau reThe Observer, VaBarnabas Thondlana vati vanowona sekuti mutungamiri wenyika haachazivi zvaakasarudzirwa nevanhu uye vati VaMugabe havasisina wavanopa nzeve kunze kweavo vakavakomberedza.
Zvichakadai, VaMugabe vakurudzira varimi vatsva vakapihwa minda pasi pechirongwa chehurumende chekugovera ivhu patsva kuti vashandise minda zvakasimba kuti nyika iwane maguta kwete kusiya minda iyi ichirarira.
Vati kana varimi vatsva vakanyatsoshandisa minda iyi, Zimbabwe inogona kutanga kusatenga chikafu kubva kune dzimwe nyika sezviri kuitwa nehurumende pari zvino apo nyika yakatarisana nenzara yakakomba.
Vachidzokera pamushakabvu, VaMugabe vati Doctor Utete munhu aivaudza pfungwa dzake mune zvakanaka uye vati munhu akashanda zvakasimba kuvandudza mamiriro anga akaita chikamu chinowona nezvevashandi vehurumende kubva pakawana nyika kuzvitonga kuzere.
Doctor Utete, avo vanonzi vakangoerekana vafa vasina kumborwara, vasiya mudzimai Verna nevana vashanu.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya ina Thomas Chiripasi