Vakuru vakati chakupa ronda chati nhunzi dzikudye.
Dudziro yemashoko aya ndiyo inenge yave kubuda pamusoro pemabasa ari kuitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, ekupinda mumatunhu vachisangana nevatsigiri vebato ravo reZanu PF, pamusoro pazvo vachipawo chikafu, mbatya, matarakita netwumwe twakasiyana-siyana.
Vamwe vakaita sebato reMDC T vanoti zvimwe zvezvinhu zvavari kugovera izvi zviri kubva kuboka reZimra, vachiti ndezviya zvinenge zvatorerwa vanhu vanenge vaedza kutiza kubhadhara mitero.
Bato iri rinoti zvakare zvimwe zvacho ndezviya zvinenge zvatorerwa vanotengesera mumigwagwa nemapurisa.
Izvi zvaita kuti Amai Mugabe vatakatwe nebato iri nevamwe vari kuti vari kushandisa midziyo yehurumende mukutsvaga kwavo rutsigiro mubato reZanu PF.
Amai Mugabe vaive mudunhu reMashonaland Central neChitatu, uko vanonzi vaifamba nezvikopokopo zviviri.
Pamusoro pazvo, mamwe makurukota anonzi akatosiya mabasa ehurumende achimhanyidzana kunomira naAmai Mugabe kumisangano yavo iyi.
Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti matarakita ari kupiwa vanhu nemudzimai wemutungamiri wenyika aya akauya kubva kuBrazil pasi pechirongwa chakanyoreranwa pasi nehurumende yeZimbabwe neBrazil.
VaGutu vanoshorawo zvakare mashoko aAmai Mugabe ekuti dunhu reMashonaland Central haripindwi nevemapato anopikisa, vachiti rakaberekera ingwe.
“Mashoko iwaya anokurudzira mhirizhonga,” vanodaro VaGutu.
Asi nhengo yeZanu PF, uye vachiongorora zvematongerwo enyika, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti vanhu vari kutadza kunziwisisa kuti Amai Mugabe vanenge vachiita mabasa emudzimai wemutungamiri wenyika.
Vanoti zvinhu zvizhinji zviri kushandiswa naAmai Mugabe zvinhu zvakapiwa bato reZanu PF serubatsiro nemasangano akasiyanasiyana.
"Vanhu vanofanirwa kutanga vaziva kuti chinonzi First Lady chii," VaChirumhanzu vanodaro. "Kana achinzi First Lady, anofanirwa kupiwa first preference. Secondly, equipment iri ku distribhiutiwa, i equipment iri kupiwa kuma irrigation scheme akasiyanasiyana. Hazvisi kudistribhiutiwa kumhuri yekwaMugabe, saka VaGutu vanofanirwa kunge vachiziva kuti chiri kuitika chii."
Asi VaGutu vanoti dai zvinhu zviri kupiwa izvi zvichipiwa nehurumende dai zvichiitwa nemapazi ehurumende akanangana nenyaya dzekurima.
"Dai achinzi anogoviwa, tine ministry yaVaMade uko, ne ministry yaVaMombeshora," VaGutu vanopokana naVaChirumhanzu. "Dai ari iwo ma government departments anogova, zvino apa tiri kuona zvichigoviwa kuma political rally."
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaObert Gutu pamwe naVaGadzira Chirumhanzu