Vamwe Voti Vanotenda Maruva Vadya Chakata paVimbiso yaVaMnangagwa

  • Jonga Kandemiiri

Chief Justice Luke Malaba Congratulates Mnangagwa Zimbabwe elections

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe vanoti mashoko ataurwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa pakuvhura kwavo paramende yechipfumbamwe mashoko akanaka chose, asi chikuru ndechekuti anozoteverwa nezviito here.

VaMnangagwa vaudza nyika pamashoko avo kuvana veZimbabwe kuti hurumende yavo icharwisana zvikuru nehuwori, vachiti hapana munhu achange ari pamusoro pemutemo.

Vatiwo vachaona kuti nyika yave nemari yayo pamwe nekuwanisa vanoda kutanga mabhizimusi munyika mikana yekuita izvi.

Doctor Zembe vanoti VaMnangagwa vaita zvakanaka chose pakukurudzira kuti magariro emunyika ave magariro asina bopoto, uye vanorumbidzwo nyaya yekuti matunhu atungamirirwe nevanhu vemumatunhu aya.

Asi vanoti vaoona sekunge VaMnangagwa vavimbisa vanhu zvakawandisa, izvo hurumende yavo ichatadza kuzadzisa. Ngatinzweyi hurukuro yataita naDoctor Zembe pamusoro penyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Urayayi Zembe