MDC-T Yokurudzira Kuti VaMnangagwa Vaumbe Hurumende Duku

  • Thomas Chiripasi

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo, Amai Auxilia Mnangagwa

Bato guru rinopikisa munyika reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanofanira kuderedza huwandu hwemakurukota ehurumende pavari kuumba hurumende yavo itsva.

Vachitaura neStudio 7 muHarare nhasi, mumwe wevatevedzeri waVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vakurudzira VaMnangagwa kuti vadzikise huwandu hwemapazi ehurumende kuitira kuti mari yakawanda ishandiswe pazvinhu zvinosimudzira hupfumi hwenyika neraramo yeveruzhinji.

Izvi zvatsinhirwa nemunyori mukuru muboka revaimbova varwi muhondo yerusunguko kana kuti Zimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaVictor Matemadanda, avo vatiwo zvakakosha kuti VaMnangagwa vaderedze huwandu hwemakurukota ehurumende, asi vachiti izvi zvinoenderanawo nekuti VaMnangagwa vachada kupinza here vanhu vasiri muZanu PF muhurumende yavo kana kuti kwete.

VaChamisa vanoti hapana nhaurirano dzati dzavepo pakati pebato ravo nehurumende itsva panyaya yekuumba hurumende yemubatanidzwa.

Zvichakadaro, VaMngangagwa vakatarisirwa kudoma makurukota ehurumende yavo munguva pfupi iri kutevera.

NeMuvhuro, VaMnangagwa vakadoma VaPatrick Chinamasa kuti vambofanobata matomhu egurukota rezvemari uye VaSimbarashe Mumbengegwi kuti vafanobatawo matomhu egurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika kuti zvinhu zvikwanise kufambira mberi ivo vachitora nguva yavo kunyatsoumba dare remakurukota ehurumende yavo.

VaMnangagwa vakatarisirwawo kusangana nevanyori vemapazi ose ehurumende nhasi masikati ano kuti vazeye kuti zvinhu zvofambiswa sei.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Thomas Chiripasi