Mapurisa Oshungurudza Zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa

  • Jonga Kandemiiri

Masangano anomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa anonzi ari kushushikana nekusungwa kunonzi kuri kuitwa zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvine magwaro anozvibvumidza kugara munyika iyi akapera kushanda.

Masangano aya anosanganisira reZimbabwe Migrants Association, Community of Zimbabwe in South Africa nereSolidarity Peace Trust,

Masangano aya anonzi ari kuti mapurisa emuSouth Africa haasi kuremekedza vimbiso yakapiwa negurukota rezvemukati menyika iyi, VaMelusi Gigaba, yekuti magwaro akapiwa zvizvarwa zveZimbabwe achashanda kusvika musi wa 31 Zvita gore rino, kunyange akapfuura zuva rawo rekushanda.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reZimbabwe Migrants Association, VaDaniel Muzenda, vanoti sangano ravo riri kutambira mashoko anoti vanhu vari kushungurudzwa nemapurisa kubva kumatunhu akawanda emuSouth Africa.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kusungwa zvinonzi zviri kubvisiswa mari dzechioko muhomwe nemapurisa kuti zviregedzwe.

Hurumende yeSouth Africa yakati vana veZimbabwe vatange kunyorera kuwedzerwa nguva kwemagwaro avo kutanga mwedzi uno.

Asi sachigaro wesangano reGlobal Zimbabwe Forum, VaSolomon Chikowero, vanoti ruzhinji rwevanhu rwuri kukundikana kuita izvi nekuda kwekushomeka kweruzivo pamusoro pemaitirwo azvo, kushaya mikana yekushandisa makombiyuta nezvimwe zvakadaro.

Kune vanenge vakwanisa kunyoresa, zvinonzi vanokwanisawo kushandisa matsamba kana ma e-mail avakapiwa semhinduro segwaro rinoratidza kuti vari kugara zviri pamutemo panguva yavanenge vakamirira kubuda kwemagwaro avo.

Munhu anonzi anofanirwa kubhadhara mazana masere nemakumi manomwe emarhanzi kuti akwanise kunyorera kuwedzerwa nguva yekugara iyi.

Mari iyi inonziwo ndiyo inobatanidza zvose zvakaita sekuongororwa kana uine mhosva nekutorwa mifananidzo nezvimwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSolomon Chikowero Pamwe naVaDaniel Muzenda