MDC T Yoronga Kuratidzira Kukuru muGuta reGweru neMugovera

  • Jonga Kandemiiri

Guta reGweru

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC T, VaMorgan Tsvangirai vanonzi neMugovera vari kutungamira nhengo dzavo mukuratidzira kuchaitwa nebato ravo muguta reGweru senzira yekunyunyuta nekuvharwa kwakaitwa makambani mazhinji muguta iri.

Mutauriri weMDC T VaObert Gutu vanoti kuratidzira kwavo uku chikamu chehurongwa hwavakaparura muHarare munaKubvumbi, uhwo hwakaita kuti vapinde muguta reMutare, Bulawayo neMasvingo.

"Kutaridzira kwedu uku, aah, tiri kuda kuti sebato guru revanhu reMDC T, titi hurumende yeZanu inotungamirirwa naVaMugabe vaonewo kuti vana vemudunhu meMidlands, kunyanya nyanya vemuguta guru reMidlands reGweru vashushikana, vabatikana, vatambura," VaGutu vanodaro.

VaGutu vanoti Gweru raive guta raizivikanwa zvikuru nezvugadzirwa zvakasiyasiyana zvinosanganisira shangu dzaigwadzirwa neBata, asi zvose izvi zvakaurawa nehurumende yeZanu PF, iyo yakundikana kupa vana veZimbabwe mabasa ayakavimbisa pasarudzo dza2013.

Vanoti vakatozivisa mapurisa emuGweru sezvinodiwa nemutemo, uye havaone paine dambudziko ringaitika.

Svondo rapera VaTsvangirai vakatungamira zvakare mukuratidzira kwakaitwa nenhengo dzebato ravo muguta reMasvingo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu