Vari Kuda Zvigaro muMDC T Vobvumidzwa Kutsvaga Rutsigiro

  • Jonga Kandemiiri

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora

Bato reMDC T rinoti ravhururira mukana vari kuda kukwikwidza musarudzo dzichaitwa pakongiresi yebato iyi mukupera kwemwedzi uno, kuti vachitanga kutsvaga rutsigiro.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti zvichitevera musangano wakaitwa neNational Executive yebato ravo mukupera kwesvondo, vose vakadomwa kuti vakwikwidze pakongiresi vave kukwanisa kupinda munhengo dzavo vachizvishambadza.

VaMwonzora vanoti zvisingabvumidzwi chete kutsvaga rutsigiro munhu achinyomba mumwe waari kukwikwidzana naye, kushandiswa kwemari uye kuvimbisa vanhu zvinhu kuti uvhoterwe.

MDC T iri kutarisirwa kuita kongiresi yayo mukupera kwemwedzi uno Gumiguru, apo pachasarudzwa vachatora zvinzvimbo zvakasiyana siyana.

Zvigaro zvisiri kukwikwidzwa ndezvepamusoro chete zvinoti chemutungamiri webato nemutevedzeri wake nechasachigaro webato nemutevedzeri wake, avo vanonzi vakadzorwa nematunhu ose.

VaMwonzora vakadomwa nematunhu gumi nerimwe kuti vatore chigaro chemutauriri webato, dunhu rimwe rikavadomawo kuti vatore chigaro chemunyori mukuru webato.

VaNelson Chamisa, vanove munyori wezvekurongwa kwemisangano pari zvino, vakadomwawo nematunhu gumi nerimwe kuti vatore chigaro chemunyori mukuru webato.

Vamwe vakadomwa kuti vatore zvigaro zvepamusoro vanosanganisira sachigaro wemadzimai, Amai Theresa Makone pamwe nemutevedzeri wemunyori mukuru, VaTapiwa Mashakada, avo vakadomwawo kuti vave mubati wehomwe.

Mamwe makwikwi ari pakati paVaAmos Chibaya, Va Abednico Bhebhe, VaMurisi Zwizwai pamwe naVaThamsanga Mahlangu, avo vakadomwawo nematunhu akasiyana siyana kuti vatore chigaro chemurongi wemisangano.

Nhengo yeparamende, Muzvare Thabitha Khumalo, vakadomwawo kuti vakwikwidze chigaro chemutevedzeri wemunyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora