Bato reMDC-T Rotanga Hurongwa hweKugadzirira Sarudzo

  • Jonga Kandemiiri

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu

Komiti inoona nezvekurongwa kwemisangano mubato rinopikisa reMDC-T, yeNational Organising Committee, yasangana pamuzinda webato iri muHarare neChipiri mangwanani kuti ironge nezvegadziriro yesarudzo, idzo dziri kutarisirwa gore rino.

Mutauriri webato, VaObert Gutu, vanoti zvikuru zvakurukurwa mumusangano uyu ndezvekuti vachamirira bato musarudzo vachasarudzwa sei, uye kuti ndavanaani vanenge vachizovhotawo.

VaGutu vanoti kunyange bato ravo riri mumubatanidzwa weMDC Alliance, chibvumirano chekuumba mubatanidzwa uyu hachirambidzi mapato kuita gadziriro dzawo akazvimirira.

Asi VaGutu vanoti munzvimbo dzinenge dziine kuwirirana kwenhengo kuti dzinoda kumirirwa nani musarudzo, bato ravo harisi kuzoita sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato kana kuti primary election.

VaGutu vanotiwo imwe nyaya huru yakurukurwa mumusangano uyu ndeye hurongwa hwemisangano ichaitwa nebato ravo munyika yose inenge yakanangana nekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu