Bato reMDC T mudunhu reMashonaland West rinoti riri kuenderera mberi nekuratidzira kwaranga rakaronga kuita kuMagunje nemusi weMugovera kunyange hazvo mapurisa mudunhu iri akanga arinyima mvumo.
Munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato mudunhu iri, VaBlessing Mandava vanoti bato ravo rakwanisa kuwana gwaro rinorambidza mapurisa kuvhiringidza hurongwa hwavo kubva kudare repamusoro.
VaMandava vanoti nhengo dzavo dzichabuda nehuwandu hwadzo kubva kumatunhu akaita seKurongonora, Birimahwe neMaumbe dzichinoungana muMagunje, umo dzichazofora dzichi ratidzira pamwe nekunosiya magwaro enyunyuto kumahofisi ekwamudzviti.
Vanoti nhengo dzavo dziri kuratidzira dzichinyunyuta nemamiriro akaita zvinhu munyika, uye kwavanoti kufuratirwa nehurumende munyaya dzebudiriro.
Kana kuratidzira uku kwakabudirira ndiko kanenge kari kekutanga kuti vanhu vekumaruwa vapinde mumigwagwa vachiratidzira, sezvo vari kuratidzira vazhinji pari zvino vari vemumaguta.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaBlessing Mandava