Komiti yehutungamiri hwebato reMDC-T, kana kuti National Standing Committee, yasangana muHarare ikatsigira kudomwa kwaVaNelson Chamisa kuti vafanobata chigaro chemutungamiri webato iri kwemwedzi gumi nemiviri.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC-T, Muzvare Tabitha Khumalo, vanoti komiti iyi inonzi yatsigirawo kuti VaChamisa vave ivo vanomirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika, uye kuti vave ivo zvakare vachamirira bato kumubatanidzwa weMDC Alliance.
Vanotiwo masachigaro ebato ose kubva kumatunhu makuru gumi nemaviri emunyika pamwe nemasachigaro ematunhu madiki mazana maviri negumi anonzi atsigirawo kuti VaChamisa vange vari ivo vakafanobata chigaro chemutungamiri webato reMDC-T.
Muzvare Khumalo vanotiwo mapoka evechidiki neremadzimai atsinhirawo kudomwa kwaVaChamisa kuti vafanobata chigaro chemutungamiri webato.
Zvabuda pamisangano yaitwa iyi zvinofanirwa kutambirwa nekomiti yebato yepamusoro soro, yeNational Council.
Pamusangano wavazoita nevatori venhau, VaChamisa vakumbirawo ruregerero kune mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato iri, Muzvare Thokozane Khupe, avo vanoti vakarohwa nevamwe vechidiki vebato kurufu rwaVaMorgan Tsvangira kuBuhera nemusi weChipiri.
Muzvare Khupe, sachigaro weMDC, VaLovemore Moyo, mutauriri webato VaObert Gutu, pamwe nemunyori anoona nezvekurongwa kwemisangano, VaAbednico Bhebhe, vanonzi havana kupinda musangano uyu, kunyange hazvo vari nhengo dzeNational Standing Committee.
Mashoko atawana anoti Muzvare Khupe vatya kuenda kumusangano uyu, sezvo vanga varumwa nzeve kuti vakapinda musangano uyu vaizorwiswa.
Muzvare Khupe vakabudawo pachena vachiti ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri webato sezvinodiwa nebumbiro remitemo yebato.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naMuzvare Tabitha Khumalo