ConCourt Inorasa Kupikisa kweMDC Renewal Team

  • Jonga Kandemiiri

VaJacob Mudenda

Dare repamusoro soro rinoti kudzingwa kwakaitwa nhengo dzeMDC Renewal Team muparamende nemutauriri wedare iri, VaJacob Mudenda, kwaiva pamutemo.

VaMudenda vakadzinga muparamende nhengo gumi nenomwe, ukuwo dare reseneti rikadzingawo nhengo ina zvichitevera chikumbiro chakaitwa neMDC T kuti vanhu ava vadzingwe sezvo vakanga vasisiri nhengo dzeMDC-T.

Asi MDC Renewal Team yakaenda kumatare ichipikisa mutongo waVa Mudenda.

Richipa mutongo waro neChipiri panyaya yakakwidzwa nenhengo dzeMDC Renewal Team, dare reConstitutional Court rati raona pasina chakakanganiswa neparamende payakadzinga nhengo idzi.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatozivisa kare kuti sarudzo dzekutsiva nhengo idzi dzinofanirwa kuitwa musi wa 10 Chikumi gore rino.

Asi mapato ose eMDC akati haasi kuzopinda musarudzo idzi kana mitemo ine chekuita nesarudzo isati yavandudzwa.

Mutauriri weMDC Renewal Team, VaJacob Mafume, vanoti havana zvavo kushamisika nemutongo uyu sezvo vagara vachiziva kuti MDC T yakagovera zvigaro izvi kubato reZanu PF.

VaMafume vanoti vakaenda kumatare vachida kuti vawane mutongo wejekerere, asi zvavawana hazviratidzi jekerere.

Vanoti bato ravo richadzokera kuvanhu kuti rinzwe kuti rotora matanho api ekuenda mberi nehondo yavo yekurwisana nehutongo hweZanu PF.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Mafume