Munyori mukuru webato reMovement for Democratic Change VaDouglas Mwonzora vanoti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa nyaya dzevanhu vakasungwa kumatare avo vanonzi vari kukurumidzwa kungotongwa magweta avo asina kana kupihwa mukana wekugadziririra.
VaMwonzora vakashanyira vasungwa ava kuChikurubi uye kudare ramajastiriti muHarare.
Mutungamiri webato ravo VaNelson Chamisa nemusi weMugovera vakaendawo kuChitungwiza uko kwairadzikwa VaTinashe Choto vakapfurwa nemauto.
Sangano ravanachiremba reZimbabwe Doctors for Human Rights vanoti vanhu gumi nevaviri vafa kusvika parizvino nekuratidzira kwakatanga nemusi weMuvhuro svondo rapera.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDouglas Mwonzora