VaAmos Chibaya veMDC Vanosungwa Zvakare Vachipomerwa Mhosva Yekuda kuPidigura Hurumende

  • Blessing Zulu

Murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa VaMnangagwa pachigaro.

Murongi wemisangano mubato reMDC, uye vari mumiriri weMkoba mudare reparamende, VaAmos Chibaya neChipiri vakasungwa zvakare nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa pachigaro.

Gweta raVaChibaya, VaReginald Chidavanyika vanoti VaChibaya vakasungwa vachangobudiswa mujeri reHwahwa mushure mekubvisa mari yechibatiso pane imwe mhosva yavari kupomerwa yekuronga mhirizhonga yakaitika munyika masvondo maviri adarika.

VaChidavanyika vanoti VaChibaya vakanopfigirwa pakamba yemapurisa yemuGweru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaReginald Chidavaenzi